Open-access Basa rinoitwa nevachengeti vevana kukurudzira dzidzo: Nzwisiso nezviitiko kubva yunivhesiti etekinoroji

Abstract

Basa repano gara vadzidzi rashanduka zvakanyanya mumakore apfuura, kushanduka kubva padzimba dzeku rara kuita dzimba dzino kurudzira magariro akanaka nekukura kwemunhu mudzidzo. Nekuda kwaizvozvo nzvimbo dzedzidzo dzakuita dzichipa vadzidzi vadzo vose peku gara panzvimbo imwe izvi zvinova zvaka kosha kuma yunivhesiti. Kuti chinhanho ichi chive chino endeka, masevhisi ano fambisa mberi kubudirira kwevadzidzi pamwe neku simudzira matanho ano tsigira dzidzo akuita achi kurudzirwa mumasangano edzidzo epamusoro. Matanho akaita sekupa mazano edzidzo, ari kuwedzera kushandiswa achipa simbiso yekuva nehu shandira pamwe achi tondera kukosha kwezvimwe zvifundo zvisinga itikire mukirasi izvo zvino simudzira vadzidzi. Nekudaro, tsvakiridzo ishoma yaka nangana nehu kama hwuri pakati kwenzvimbo dzino gara vafundi pamwe rutsigiro runo pihwa vadzidzi nekurairwa kwedzidzo runo itika panzvimbo idzi dzavano gara. Tichiziviswa nevalidation theory, chidzidzo ichi chakatsvaka hukama hunga wanikwa wepano gara vadzidzi neru tsigiro hwedzidzo runo itwa nema Residence Advisors (RAs). MaResidence Advisors ano svika gumi nenhatu (n=13), vekuDurban University of Technology vakapindura mibvunzo kuburikidza neGoogle Forms. Zivo yakaratidza kuti maRA ndo vano nyanyo kutanga kuwonekwa nevadzidzi vane matambudziko, anokanganisa dzidzo. Pamusoro pazvo maRA aka wonekwa kuti vane basa rakakosha rwekupa mazano anobatsira zvakanyanya vafundi kuti vawane kufambira mberi muzvidzidzo. Zvisineyi hazvo, zvakaonekwa kuti maRA ayinge asina kupihwa dzidzo kana ruzivo rwaka kwana kuti tsika yekupa mazano muzvidzidzo ino fambiswa sei pa univhesiti. Chidzidzo ichi chinokurudzira kuti maunivhesiti ave anopa maRA dzidzo yekuti vanopa mazano edzidzo sei kuva dzidzi vavanenge vaka pihwa kuti vagare navo. Izvi zvichi ita kuti basa ravo rive raka vandudzika pakupa parutsigiro kuvadzidzi nekubudirira muzvikoro zvedzidzo yepamusoro.

Imba yevadzidzi; kuraira kwedzidzo; chipangamazano wemugari


location_on
Journal of Student Affairs in Africa 7 Walmer Road, Woodstock, Cape Town, Western Cape, ZA, 7925, Tel: +27 83 350 5959 - E-mail: editor@africanminds.co.za
rss_feed Acompañe los números de esta revista en su lector de RSS
Ir para arriba