Open-access Kuvandudza dzidziso yekurayira vadzidzi vemayunivhesiti kuburikidza nekuzviwongorora pabasa: Zhiratsva yekukudza unyanzvi bwomurayiri

Abstract

Mutsvakurudzo iyi, takawongorora mikana iripo mukusimudzira kukura kwehunyanzvi hwemurayiri wevadzidzi vamayunivhesiti (academic advisor) kungagoneswa nekushandisa nzira yekuzviwongorora pabasa (selfstudy). Kunyangwe nzira iyi ichizivikanwa uye ichishandiswa zvakanyanya mudzidzo yevadzidzisi (teacher education), sekuziva kwedu, haisati yashandiswa zvakadai pamaitiro okurayira vadzidzivemayunivhesiti. Mutsvakurudzo ino, murayiri mumwe chete wakanyora nhorowondo yezviitiko zvekurayira vadzidzi veyunivesiti kwaakayitamukati memakore gumi nemaviri. Achishanda pamwe chete nasahwira unokurudzira kuwongorora kwakadzama (critical friend), sezvinotarisirwa kana munhu achiwongorora mashandiro ake, murayiri uyu wakawongorora zviitiko izvi. Kuzviwongorora kwemurayiri uyu kwakapa mukana wekutarisisa marayiriro aayiita vadzidzi vake nenzira ine chinangwa uye yakarongeka. Izvi zvakabudisa mawonero nemayitiro matsva mukuraira kwake. Mayitiro matsva awa ayisanganisira kuwedzera kuda kuhwisisa marongerwo edzidzo dzevadzidzi, magariro netsika dzavo (sociocultural contexts), pamwe chete nezhira dzokudzidza koumwe noumwe wavo. Nokuda kwemawonero matsva awa, kurayira kwake kwakashanduka kubva pakupa vadzidzi rayiro yakafanana, kuenda kurayiro inofanirana nemudzidzi umwe noumwe, uye inovaka vukama pakati pomurayiri nomudzidzi. Kurayira kutsva uku kwayitsigirwa neruzivo rwemadzidzisirwo ezvidzidzo runonzi pedagogical content knowledge (PCK). Tsvakurudzo iyi inoratidza kuti kuwongorora zvakadzika zviyitiko zvaayisangana nazvo mukuita basa zuva nezuva nenzira yakarongeka kwakabatsira murayiri uyu kugadzirisa rayiro yaanopa vadzidzi uye kusimbisa kuzvimiririra kwavo mukudzidza. Zvakare, tsvakurudzo iyi inoratidza kukosha kwekurayira kunotanga nokuvaka vukama pakati pemurayiri nemudzidzi, uye kunobuda mukutaurirana kwavo vari vaviri, kwete kurayira kunongobva kumurairi. Pakupedzisira, tsvakurudzo iyi inobudisa simba rokushandura nokusimudzira unyanzvi hwemurayiri riri mukuzviwongorora pabasa.

Vandudzo yekurayirwa kwevadzidzi vemayunivhesiti; dzidziso yekurayira; kukura kwehunyanzvi hwekurayira; kuzviwongorora pabasa (selfstudy)


location_on
Journal of Student Affairs in Africa 7 Walmer Road, Woodstock, Cape Town, Western Cape, ZA, 7925, Tel: +27 83 350 5959 - E-mail: editor@africanminds.co.za
rss_feed Acompañe los números de esta revista en su lector de RSS
Ir para arriba