Open-access Zviri kuitika mukugadzwa kwenzvimbo yekusimudzira bhizinesi payunivhesiti yehutano

Abstract

Bazi rehurumende rinoona nefundo nezvemabasa emaoko nemabhizimusi rakabatana nemainisitichusheni edzidzo yepamusoro vari kubatsira vana vechikoro, vadzidzisi nevamwe pamayunivhesiti nevamwe wadau kuti vaone kukosha kwemabasa emaoko nemabhizimusi munharaunda dzavanogara uye munyika mavanogara. Tsvakurudzo yakaitwa mugwaro rino, pakashandiswa univhesiti iri kukurudzira vana vechikoro kuti vaite mabasa emaoko vachitanga mabhizimusi. Asi zvisinei, univhesiti iyi haina zvidzidzo zvinodzisa zvemabhizimusi zvinowanikwa mune mamwe maunivhesiti. Tsvakurudzo yegwaro rino inoratidza kuti kudzidzisa vana vari kuyunivhesiti zvidzidzo zvinozovabatsira kutanga mabhizimusi ndiwo uchava mugariro kupota pasi rese munguva inotevera. Gwaro rino rinotsanangura zvakare kuti nyika ye South Africa yakatarisana nekushayika kwamabasa saka zvinotoda kuti vechidiki vadzidziswe kupinda mune zvemabhizimusi nekuita mabasa emaoko kuti vawane kuzviraramisa. Nekudaro,vana vechikoro vanenge vachifanira kuti varatidzwe gwara rekutanga mabhizimusi zvikuru sei zvichibva mumainisitichusheni edzidzo yepamusoro. Asizve, gwaro rino richada kuratidza zvibingamupinyi nemaonero arikuitwa kudzidzisa zvemabhizimusi nemabasa emaoko payunivhesiti inodzidzisa zvekurapa huye zvinoenderana nehutano.

Bhizimusi; yunivesiti inokuridzira zvidzidzo zvemabasa emaoko; zvidzidzo zvemabasa emaoko; utsanzi; kushaikwa kwemabasa


location_on
Journal of Student Affairs in Africa 7 Walmer Road, Woodstock, Cape Town, Western Cape, ZA, 7925, Tel: +27 83 350 5959 - E-mail: editor@africanminds.co.za
rss_feed Stay informed of issues for this journal through your RSS reader
Go to top